Psalms 10

1Munomirireiko kure, imi Jehovha?
Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?

2Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba,
vanobatwa namano okufunga kwake.
3Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake;
anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.
4Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki;
mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.
5Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose;
anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye;
anodadira vavengi vake vose.
6Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa;
ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”

7Muromo wake uzere nokutuka, kureva nhema, uye nokutyisidzira;
matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
8Anovandira ari pedyo nemisha;
pakuvandira uku anouraya vasina mhosva,
ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.
9Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo;
anovandira kuti abate vasina anovabatsira;
anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.
10Vabatwa vake anovapwanya, vanowa;
vanowira pasi pesimba rake.
11Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa;
akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”

12Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari.
Regai kukanganwa vanomanikidzwa.
13Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari?
Seiko achiti mumwoyo make,
“Haazondibvunzi?”
14Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa;
munokutarisisa kuti mukupedze.
Asina simba anozviisa kwamuri;
muri mubatsiri wenherera.
15Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa;
ngaazvidavirire pazvakaipa zvake
zvakanga zvisingazoonekwi.

16Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri;
ndudzi dzichaparara munyika yake.
17Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura;
munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,
18muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa,
kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.
Copyright information for SnaBDSC